ZVIGA ZVEKUNYORA RONDEDZERO
zvinangwa: Panopera chidzidzo chino mudzidzi anotarisirwa kunge ava kugona:
1. Nhanganyaya
Muenzaniso wenhanganyaya
"Handaiziva kuti muzuva ranhasi ini Nhamo ndichafamba ndakagara," akadaro Nhamo achitaura naamai vake avo vaioneka misodzi ichingoyerera nematama avo. "Mwari vatisimudzira mwanangu unoti vaigotisiya isu vana vake tichingotambura. Usavhunduka uchiona misodzi pamatama mwanangu, misodzi yerufaro. Mufaro wandinawo muzuva ranhasi wakanyanyisa Vhuramai, mandidadisa, zvirambe zvichienderera mberi Shava yangu." Vaitaura mashoko aya vachiyemura zvavainge vaitirwa nemwana wavo.
2. Mutumbi
3. Mhedziso
Muenzaniso wemhedziso
Nhamo aiziva chinangwa chehupenyu hwake nokutambura kwainge kwakaita amai vake kuti asvike paaiva. Haana kunyadzisa amai vake nokudaro akaroorana nemusikana wake Chitsidzo, waakadanana naye kubvira ari tsuro yemubhuku. Zvechokwadi vaviri ava vaive vakapanana chitsidzo chainge chakakosha mukati mehupenyu hwavo. Vakaita muchato wakavhundutsa vanhu vemunharaunda yavaigara. Vanhu vose vakabva pamuchato vasina nechimwe chete chekutaura. Regai vakuru vakati, "Upenyu ivhiri rechingoro hunotenderera." Nhamo ainge ogara hupenyu hweumambo.