Demo

ZVIGA ZVEKUNYORA RONDEDZERO

zvinangwa: Panopera chidzidzo chino mudzidzi anotarisirwa kunge ava kugona:
  • Kunyora ronderedzero achitevedzera zviga zverondedzero.


  • Rondedzero kana ichinyorwa inowanikwa iri muzvikamu kana zvindima zvinoti:
    • nhanganyaya
    • mutumbi
    • mhedziso

1. Nhanganyaya

  • Nhanganyaya indima yakakosha pakunyorwa kwerondedzero.
  • Ndima iyi inonzi Hwezvamuverengi nekuda kwekuti inotokonya kana kutekenyedza pfungwa dzemuverengi kuti ave nechidokwadokwa chekuramba achiverenga nyaya.
  • Nhanganyaya ngaive pfupi uye isingadariki mazwi makumi matatu.
  • Munhanganyaya munofanira kubuditsa pachena nyaya ichakurukurwa nezvayo pamwe negwara richashandiswa kunyora nyaya iyi.

Muenzaniso wenhanganyaya

"Handaiziva kuti muzuva ranhasi ini Nhamo ndichafamba ndakagara," akadaro Nhamo achitaura naamai vake avo vaioneka misodzi ichingoyerera nematama avo. "Mwari vatisimudzira mwanangu unoti vaigotisiya isu vana vake tichingotambura. Usavhunduka uchiona misodzi pamatama mwanangu, misodzi yerufaro. Mufaro wandinawo muzuva ranhasi wakanyanyisa Vhuramai, mandidadisa, zvirambe zvichienderera mberi Shava yangu." Vaitaura mashoko aya vachiyemura zvavainge vaitirwa nemwana wavo.


2. Mutumbi

  • Mushure mekunge tabva munhanganyaya ndipo patinowana nyaya yese. Nyaya iyi ndiyo mutumbi werondedzero.
  • Panobuda zvindima zvine chitsama nekuda kwekuti pfungwa imwe neimwe inenge ichipinda mundima yayo.
  • Pfungwa idzi dzinofanira kunyorwa dzichiyerera uye dzichiwirirana nenyaya iri mudariro.
  • Kurasana kwepfungwa kunoita kuti munyori arasikirwe nezvibodzwa.

3. Mhedziso

  • Ndima iyi ndiyo yekugumisira panonyorwa rondedzero.
  • Ndima iyi inofanira kunyorwa zvine unyanzvi kuti iratidze yega kumuverengi kuti nyaya iyi yasvika kwamvura yacheka makumbo nekuda kwemanyorerwo anenge akaitwa ndima yacho.
  • Ndima iyi inenge yave kuburitsa napapfupi zviitiko zvanga zvichiitika munyaya. Nokudaro, munyori anofanira kutsetsa nyaya yake zvine hunyanzvi kuratidza kuti kubva kunhanganya nemutumbi pfungwa dzanga dzichinyatsoyerera zvakanaka.

Muenzaniso wemhedziso

Nhamo aiziva chinangwa chehupenyu hwake nokutambura kwainge kwakaita amai vake kuti asvike paaiva. Haana kunyadzisa amai vake nokudaro akaroorana nemusikana wake Chitsidzo, waakadanana naye kubvira ari tsuro yemubhuku. Zvechokwadi vaviri ava vaive vakapanana chitsidzo chainge chakakosha mukati mehupenyu hwavo. Vakaita muchato wakavhundutsa vanhu vemunharaunda yavaigara. Vanhu vose vakabva pamuchato vasina nechimwe chete chekutaura. Regai vakuru vakati, "Upenyu ivhiri rechingoro hunotenderera." Nhamo ainge ogara hupenyu hweumambo.