RONDEDZERO YENYAYA INOTSANANGURA
TSUMO
ZVINANGWA: Panopera chidzidzo CHINO mudzidzi anotarisirwa kunge ava kugona: |
a) Kunyora rondedzero ine tsumo yaanonzwisisa kana kugona kutsanangura tsumo. |
b) Kushandisa zvirungamutauro zvakasiyana siyana pakakodzera. |
c) Kuronga pfungwa dzerondedzero zvine hochekoche. |
Rondedzero
- Nguva dzese sarudza tsumo yaunoziva zvainoreva kwete kufungidzira.
- Zvinorema kunyora rondedzero kana usina ruzivo rwakakwana pamusoro petsumo yaunenge wasarudza.
- Unogona kubika yako nyaya kana kunyora pamusoro pezvaunenge wakambonzwa.
- Nguva nenguva paunenge uchinyora zvibvunze kuti uri kupindura tsumo yawasarudza.
- Nyaya yaunonyora ngaive ine musoro unofadza kana kusuwisa muverengi.
- Unogonawo kukanda zvirungamutauro pano neapo.
- Rondedzero iyi ngaive nenhanganyaya, mutumbi nemhedziso.
- Kana zvichiita tsumo yawasarudza ngaiwanikwe kunonoperera rondedzero yako. Izvi zvinobatsira kupangidza muverengi kuti zvokwadi wanga uri mugwara mukunyora kwako.