Demo

ZVIBATANIDZI

zvinangwa:Panopera chidzidzo chino mudzidzi anotarisirwa kunge ava kugona:
  • Kudoma mhando dzezvibatanidzi.
  • Kunyukura zvibatanidzi kubva munyorwa.
  • Kunyora zvirevo achishandisa zvibatanidzi pakakodzera.


  • Zvibatanidzi mazwi anobatanidza zvirevo zviviri kana kudarika kuti pabude chirevo chimwe chete.
  • Mhando dzezvibatanidzi ndedzinoti;
    • uye
    • asi
    • nekuti/nokuti
    • na-
    • ne-
    • no-
    • zvakare/ zvekare
    • uyezve
    • nokudaro/nekudaro
  • Kana pachishandiswa uye panenge pachibatanidzwa pfungwa mbiri dzinoenderana.

Somuenzaniso;

    • Tinotenda akamboenda kuAmerica uye kuEurope gore rapera.
    • Kotoro yakapera ndakakunda muzvidzidzo zveChiShona, Svomhu uye neChiRungu.
    • Asi anoshandiswa kuratidza rimwe divi renyaya kana kusiyana kwepfungwa mumutsara mumwe chete.

    Somuenzaniso;

      • Ndinoda kuenda kumusha asi handifariri kuenda kumunda.
      • Ndaifanira kuenda kuGweru svondo rakapera asi ndakazonzwa shoko renhamo rakabva kumusha
      • Izwi iri rinoshanda mumutsara kana munhu achida kutsanangura chinhu.

    Somuenzaniso;

      • Ndakafamba rwendo rwakareba netsoka nokuti bhazi harina kuuya.
      • Handina kuenda kuchikoro nezuro nekuti musoro wangu wairwadza.
      • Chibatanidzi chokuti /na-/ chinoshandiswa kuratidza panenge paitika chinhu nekuti munhu anenge asina kuzviita oga asi azviita nevamwe.

      Somuenzaniso;

        • Ndakatamba bhora naTatenda.
        • Ndakadzidza naFarai kumusha.
        • VaShumba vakaenda naTinotenda kunhamo nezuro.
        • Ropafadzo akarwa naKudakwashe nezuro vari kumombe.
      • Chibatanidzo /na-/chinofambirana nenhoredzera;
        • ne-
        • no-

      Somuenzaniso;

        • Tiritose aenda kunovhima nembwa yake inonzi Machena.
        • Anofarira kudya sadza nomukaka.
      • Chibatanidzi chokuti zvekare chinoshandiswa kuwedzera imwe pfungwa pane zvinhu zvinenge zvataurwa.

      Somuenzaniso;

        • Tinotenda mwana anogona chikoro zvakare mwana anoteerera vabereki vake.
        • Ndakashanyira sekuru vangu kumusha zvekare ndikanoona tete vairwara.
        • Chibatanidzi chokuti uyezve chinoratidza kuti kubva pane zvambotaurwa, pane zvimwe zviri kuda kuwedzerwa.

        Somuenzaniso;

          • Tatenda ane marambadoro uyezve haagone kuzvibata.
          • Charakupa anoda kudya sadza nenyama yehuku uyezve michero yemusango.
        • Nokudaro inoshanda kuratidza kuti sei zvinhu zvaitika.

        Somuenzaniso;

          • Imbwa yakaba chimukuyu mumba nokudaro yakarohwa zvakaipisisa nemuridzi wayo.
          • Rwendo rwuno handina kuverenga chaizvo nekudaro ndakatadza bvunzo dzekupera kwegore.