ZVIBATANIDZI
zvinangwa:Panopera chidzidzo chino mudzidzi anotarisirwa kunge ava kugona: |
- Kudoma mhando dzezvibatanidzi.
- Kunyukura zvibatanidzi kubva munyorwa.
- Kunyora zvirevo achishandisa zvibatanidzi pakakodzera.
|
- Zvibatanidzi mazwi anobatanidza zvirevo zviviri kana kudarika kuti pabude chirevo chimwe chete.
- Mhando dzezvibatanidzi ndedzinoti;
- uye
- asi
- nekuti/nokuti
- na-
- ne-
- no-
- zvakare/ zvekare
- uyezve
- nokudaro/nekudaro
- Kana pachishandiswa uye panenge pachibatanidzwa pfungwa mbiri dzinoenderana.
Somuenzaniso;
- Tinotenda akamboenda kuAmerica uye kuEurope gore rapera.
- Kotoro yakapera ndakakunda muzvidzidzo zveChiShona, Svomhu uye neChiRungu.
- Asi anoshandiswa kuratidza rimwe divi renyaya kana kusiyana kwepfungwa mumutsara mumwe chete.
Somuenzaniso;
- Ndinoda kuenda kumusha asi handifariri kuenda kumunda.
- Ndaifanira kuenda kuGweru svondo rakapera asi ndakazonzwa shoko renhamo rakabva kumusha
- Izwi iri rinoshanda mumutsara kana munhu achida kutsanangura chinhu.
Somuenzaniso;
- Ndakafamba rwendo rwakareba netsoka nokuti bhazi harina kuuya.
- Handina kuenda kuchikoro nezuro nekuti musoro wangu wairwadza.
- Chibatanidzi chokuti /na-/ chinoshandiswa kuratidza panenge paitika chinhu nekuti munhu anenge asina kuzviita oga asi azviita nevamwe.
Somuenzaniso;
- Ndakatamba bhora naTatenda.
- Ndakadzidza naFarai kumusha.
- VaShumba vakaenda naTinotenda kunhamo nezuro.
- Ropafadzo akarwa naKudakwashe nezuro vari kumombe.
- Chibatanidzo /na-/chinofambirana nenhoredzera;
Somuenzaniso;
- Tiritose aenda kunovhima nembwa yake inonzi Machena.
- Anofarira kudya sadza nomukaka.
- Chibatanidzi chokuti zvekare chinoshandiswa kuwedzera imwe pfungwa pane zvinhu zvinenge zvataurwa.
Somuenzaniso;
- Tinotenda mwana anogona chikoro zvakare mwana anoteerera vabereki vake.
- Ndakashanyira sekuru vangu kumusha zvekare ndikanoona tete vairwara.
- Chibatanidzi chokuti uyezve chinoratidza kuti kubva pane zvambotaurwa, pane zvimwe zviri kuda kuwedzerwa.
Somuenzaniso;
- Tatenda ane marambadoro uyezve haagone kuzvibata.
- Charakupa anoda kudya sadza nenyama yehuku uyezve michero yemusango.
- Nokudaro inoshanda kuratidza kuti sei zvinhu zvaitika.
Somuenzaniso;
- Imbwa yakaba chimukuyu mumba nokudaro yakarohwa zvakaipisisa nemuridzi wayo.
- Rwendo rwuno handina kuverenga chaizvo nekudaro ndakatadza bvunzo dzekupera kwegore.